James 5

Yambiro kuVapfumi

1Zvino inzwai, imi vapfumi, chemai muungudze nokuda kwenjodzi iri kuuya pamusoro penyu. 2Upfumi hwenyu hwaora, uye nguo dzenyu dzakadyiwa nezviundudzi. 3Goridhe renyu nesirivha zvava nengura. Ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa uye zvichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera upfumi mumazuva okupedzisira. 4Tarirai mibayiro yamakatadza kupa vashandi venyu vaicheka muminda yenyu iri kudanidzira pamusoro penyu. Kuchema kwavacheki kwasvika munzeve dzaIshe Wamasimba Ose. 5Makararama mumafaro panyika uye muchizvikudza. Makakodza mwoyo yenyu pazuva rokuzvibaya. 6Makatonga uye mukaponda vanhu vasina mhosva, vakanga vasingapikisani nemi.

Mwoyo Murefu muKutambudzika

7Zvino, hama dzangu, ivai nomwoyo murefu, kusvikira pakuuya kwaShe. Tarirai mamiriro anoita murimi kuti aone chibereko chinokosha chenyika uye kuti anoita mwoyo murefu sei pakumirira kwake mvura yomunakamwe nemvura yamasutso. 8Nemiwo, ivai nomwoyo murefu uye mumire nesimba, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo. 9Musanyunyutirana, hama dzangu, kuti murege kutongwa. Mutongi amire pamusuo!

10Hama dzangu, somuenzaniso womwoyo murefu pakutambudzika, tarirai vaprofita vakataura muzita raShe. 11Sezvamunoziva, tinoti vakaropafadzwa avo vakatsungirira. Makanzwa zvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvakaitwa naIshe pakupedzisira. Ishe azere netsitsi nengoni.

12Pamusoro pazvo zvose, hama dzangu, musapika, nedenga kana nenyika kana nechimwe chinhu zvacho. “Hongu” yenyu ngaive hongu, uye “Kwete” yenyu ngaive kwete, kuti murege kutongwa.

Munyengetero woKutenda

13Kuno mumwe wenyu anotambudzika here? Ngaanyengetere. Kuno mumwe anofara here? Ngaaimbe nziyo dzokurumbidza. 14Kuno mumwe wenyu anorwara here? Ngaadane vakuru vekereke kuti vazomunyengeterera uye vagomuzodza mafuta muzita raIshe. 15Uye munyengetero unoitwa mukutenda uchaita kuti munhu anorwara apore; Ishe achamumutsa. Kana akatadza, acharegererwa. 16Naizvozvo reururai zvivi zvenyu mumwe kuno mumwe uye munyengetererane kuti mugoporeswa. Munyengetero womunhu akarurama une simba uye unoshanda.

17Eria akanga ari munhu sesu. Akanyengetera zvine simba kuti kurege kunaya, uye hakuna kunaya panyika kwamakore matatu nehafu. 18Uyezve, akanyengetera, denga rikanayisa mvura, nyika ikabereka zvibereko zvayo. 19Hama dzangu, kana mumwe wenyu akatsauka kubva pachokwadi uye mumwe akamudzora, 20murangarire izvi kuti: Ani naani anodzora mutadzi kubva panzira yokudarika kwake, achamuponesa kubva parufu uye achafukidza zvivi zvizhinji.

Copyright information for SnaBDSC